Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika checricket chichatatsurana necheSouth Africa mumitambo miviri yeTest kuQueens Sports Club, kuBulawayo, kutanga nemusi weMugovera svondo rino.
Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchatambwa kubva musi weMugovera kusvika 2 Chikunguru.
Nerimwe divi, mutambo wechipiri unotarisirwa kutanga musi wa6 Chikunguru uchizopera musi wa10 Chikunguru.
MaChevrons ari kupinda mumutambo uyu achangobva kusangana neEngland mumutambo weTest wakatambirwa munyika yeEngland.
MaProteas eSouth Africa ari kupindawo mumutambo uyu morari yavo iri pamusoro zvichitevera kuhwinha kwavakaita mukombe weICC World Test Champions nguva yadarika.
Murairidzi wemaChevrons 鈥 Justin Sammons 鈥 akadoma chikwata chakasimba chine vatambi 16, icho chichasangana nemaProteas.
Muchikwata chaSammons, mune vatambi vanosanganisira Craig Ervine, uyo achange ari kaputeni; Brian Bennett; Tanaka Chivanga; Wessly Madhevere; Vincent Masekesa; naSean Williams.
Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, Sammons anoti: 鈥淧ane kufara kuri muchikwata.
Ndinofunga kuti vari kufara uye kutarisira mutambo uyu. Ini ndiri kufara tichitarisa zviri mberi kwedu uye vakomana vakagadzirira zvikuru.
鈥淰ari kutarisira kuzviona vachitamba nekuzvirakidza kuti vanogona kuita zvakaita sei. Ndinofunga kuti vanoda kutaura zvakawanda mumasvondo ari kutevera.鈥
Chikwata cheZimbabwe
Craig Ervine (kaputeni), Brian Bennett, Tanaka Chivanga, Trevor Gwandu, Takudzwanashe Kaitano, Wessly Madhevere, Clive Madande, Vincent Masekesa, Wellington Masakadza, Prince Masvaure, Kundai Matigimu, Blessing Muzarabani, Newman Nyamhuri, Tafadzwa Tsiga, Nicholas Welch, Sean Williams